2 Samueri 1:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. “Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira.

26. Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani munun'una wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi.

27. “Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”

2 Samueri 1