2 Makoronike 8:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda.

4. Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati.

5. Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomboredzwa namasvingo namasuo namazariro,

6. pamwe chete naBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaida kuvakwa muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.

7. Vanhu vose vakasiyiwa kubva kuvaHiti, vaAmoni, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri)

2 Makoronike 8