31. kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu.
32. “Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,
33. ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
34. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu,