2 Makoronike 26:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

2. Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.

3. Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema.

4. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvangoitwa nababa vake Amazia.

5. Akatsvaka Mwari pamazuva eZekaria, uyo aimurayira mukutya Mwari. Pose paaitsvaka Jehovha, Mwari akaita kuti abudirire.

2 Makoronike 26