8. “Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emuarigami kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako
9. kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru.
10. Ndichapa varanda vako, vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviria zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvehari, mabhati ewaini zviuru makumi mavirib uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.”
11. Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati, “Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.”
12. Uye Hiramu akaenderera mberi achiti, “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye nokuzvivakirawo muzinda wake.