2 Makoronike 18:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake.

19. Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.

20. Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’

21. Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’

22. “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.”

2 Makoronike 18