2 Makoronike 11:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.

5. Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:

6. Bheterehema, Etami, Tekoa,

7. Bheti Zuri, Soko, Adhurami,

8. Gati, Maresha, Zifi,

9. Adhoraimi, Rakishi, Azeka,

10. Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.

11. Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.

12. Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.

2 Makoronike 11