2 Makoronike 11:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,

3. “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti,

4. ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.

5. Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:

6. Bheterehema, Etami, Tekoa,

7. Bheti Zuri, Soko, Adhurami,

8. Gati, Maresha, Zifi,

9. Adhoraimi, Rakishi, Azeka,

10. Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.

2 Makoronike 11