2. Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
3. “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti,
4. ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
5. Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
6. Bheterehema, Etami, Tekoa,
7. Bheti Zuri, Soko, Adhurami,
8. Gati, Maresha, Zifi,
9. Adhoraimi, Rakishi, Azeka,
10. Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.