9. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadzikiswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika.
10. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”
11. Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo uku kuri kudokwairira kwomwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi, kana zvakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,