2 Madzimambo 7:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakatiza, vakasiya matende avo namabhiza avo nembongoro. Vakasiya musasa wakangodaro vakatiza kuti vaponese upenyu hwavo.

8. Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve.

9. Ipapo vakataurirana vakati, “Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu. Kana tikamira kusvika kwaedza, ticharangwa. Handei izvozvi tinozivisa zvinhu izvi kumuzinda wamambo.”

10. Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.”

11. Varindi vesuo vakadaidzira mashoko aya zvikaziviswa mukati momuzinda.

12. Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ”

2 Madzimambo 7