Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvakaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.”