2 Madzimambo 7:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seyaa roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimweb uye maseya maviric ebhari neshekeri pasuo reSamaria.”

2. Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!”

2 Madzimambo 7