2 Madzimambo 4:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi.

19. Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.”

20. Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa.

2 Madzimambo 4