2 Madzimambo 4:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Asi mukadzi akava nemimba, uye gore raitevera nenguva yakare iyoyo akapona mwanakomana, sezvaakanga audzwa naErisha.

18. Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi.

19. Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.”

2 Madzimambo 4