2 Madzimambo 22:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati.

2. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

2 Madzimambo 22