2 Madzimambo 14:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga.

2. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema.

3. Iye akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi.

2 Madzimambo 14