2 Madzimambo 11:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa.

2 Madzimambo 11

2 Madzimambo 11:1-7