1 Vatesaronika 5:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,

2. nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.

3. Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.

4. Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.

5. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.

6. Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.

7. Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.

8. Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.

9. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

1 Vatesaronika 5