1 Vatesaronika 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka patakanga tisingagoni kuramba takamira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene.

2. Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu,

3. kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takagadzirirwa izvozvo.

1 Vatesaronika 3