3. Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare.
4. Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here?
5. Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanun'una vaShe naKefasi?
6. Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?
7. Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo?
8. Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here?
9. Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here?
10. Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo.
11. Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama?
12. Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here?Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.