1 Vakorinde 7:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.

23. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu.

24. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari.

25. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka.

26. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro.

1 Vakorinde 7