22. Nokuti uyo akadanwa naShe ari muranda, ava akasununguka muna She; zvimwe chetezvo, uyo akanga akasununguka paakadanwa ava muranda waKristu.
23. Makatengwa nomutengo; musava varanda vavanhu.
24. Hama, mumwe nomumwe, ngaarambe ari paakadanwa naMwari ari.
25. Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka.
26. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro.