1 Vakorinde 13:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.

12. Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.

13. Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.

1 Vakorinde 13