11. Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.
12. Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.
13. Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.