1 Vakorinde 13:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.

2. Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu.

3. Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.

4. Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.

5. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.

1 Vakorinde 13