26. Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
27. Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
28. Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.
29. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
30. Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
31. Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.
32. Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.
33. Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.
34. Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa.Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.