1 Vakorinde 10:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.

3. Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya

4. uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.

5. Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.

6. Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.

7. Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”

1 Vakorinde 10