1 Samueri 17:42-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

42. Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza.

43. Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi.

44. Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!”

1 Samueri 17