4. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
5. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti,“Mwari anodzivisa vanozvikudzaasi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
6. Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
7. Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
8. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.