2. pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.
3. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka.
4. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nokwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
5. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,
6. saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.