29. Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.
30. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.
31. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.
32. Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.
33. Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.
34. Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu.
35. Vanakomana vomunun'una wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.
36. Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,
37. Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.
38. Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra.