1 Makoronike 6:57-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

57. Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa,

58. Hireni, Debhiri,

59. Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.

60. Uye kubva kurudzi rwaBenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo. Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.

61. Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.

1 Makoronike 6