32. Vaishumira nokuimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa.
33. Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,
34. mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa,
35. mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasi,