1 Makoronike 4:24-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;

25. Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26. Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.

27. Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun'una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30. Bhehieri, Horima, Zikiragi,

31. Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32. Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33. nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo.

34. Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,

35. Joere, Jehu mwanakomana waAsieri,

36. uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,

1 Makoronike 4