1 Makoronike 4:21-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva: Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibea.

22. Jokimi, varume veKezebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)

23. Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.

24. Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva: Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;

25. Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26. Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.

27. Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun'una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30. Bhehieri, Horima, Zikiragi,

31. Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32. Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu

1 Makoronike 4