17. Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,
18. Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.
19. Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.
20. Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.