1 Makoronike 23:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.

25. Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,

1 Makoronike 23