24. Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.”
25. Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatua egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi.
26. Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyanana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari, yezvipiriso zvinopiswa.
27. Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo.
28. Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.
29. Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.
30. Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza nezvaMwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.