1 Makoronike 2:49-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

49. Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi,

51. Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.

52. Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati,

53. uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.

54. Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori,

55. uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

1 Makoronike 2