1 Makoronike 16:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.

2. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.

3. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwi nekeke ramazambiringa akaoma.

4. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:

5. Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira

6. uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.

1 Makoronike 16