1 Makoronike 16:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.

2. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.

3. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwi nekeke ramazambiringa akaoma.

4. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:

5. Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira

6. uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.

7. Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:

8. Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.

9. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.

10. Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.

11. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose.

12. Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.

13. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.

14. Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.

15. Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.

1 Makoronike 16