1 Makoronike 10:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni.

11. Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,

12. mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe.

13. Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe.

14. Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya uye akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

1 Makoronike 10