1 Makoronike 1:45-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Jobhabhu paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

46. Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

47. Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

48. Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

49. Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhoni akamutevera paumambo.

50. Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri mwanasikana waMezahabhi.

51. Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti

52. Ohoribhama, Era, Pinoni,

53. Kenazi, Temani, Mibhizari,

54. Magidhieri naIrami. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

1 Makoronike 1