1 Makoronike 1:34-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri.

35. Vanakomana vaSeiri vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

36. Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefa, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki.

37. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza.

38. Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

39. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

40. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna.

41. Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

42. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.

43. Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

44. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

1 Makoronike 1