1 Madzimambo 4:29-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa.

30. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti.

31. Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzirahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza.

32. Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu.

1 Madzimambo 4