Pazvinhu zvose akafamba munzira dzababa vake Asa uye haana kurasika achibva padziri; akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha. Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.