1 Madzimambo 22:37-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Naizvozvo mambo akafa, uye akauyiswa kuSamaria, akavigwa ikoko.

38. Vakasuka ngoro padziva reSamaria (panova ndipo paishambira zvifeve), imbwa dzikananzva ropa rake, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.

39. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAhabhu, zvichisanganisira zvose zvaakaita, muzinda waakavaka nenyanga dzenzou, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?

40. Ahabhu akazorora namadzibaba ake. Ipapo Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

41. Jehoshafati mwanakomana waAsa akava mambo weJudha mugore rechina raAhabhu, mambo weIsraeri.

1 Madzimambo 22