1 Madzimambo 1:50-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

50. Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari.

51. Soromoni akaudzwa kuti, “Tarirai, Adhoniya ari kutya Mambo; hoyo atobata nyanga dzearitari achiti, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi kuti haasi kuzouraya muranda wake nomunondo.’ ”

52. Zvino Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, hakuna rubvudzi rwomusoro wake ruchawira pasi; asi zvakaipa zvikawanikwa maari, achafa.”

53. Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”

1 Madzimambo 1