1 Johani 5:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake.

12. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.

13. Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.

14. Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

1 Johani 5