Zvirevo 9:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.

8. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.

9. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

10. “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Zvirevo 9