Zvirevo 9:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno!

5. Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa.

6. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.

7. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.

8. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.

9. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

Zvirevo 9