4. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno!
5. Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa.
6. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
7. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
9. Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.