2. Hwakabika nyama yahwo; uye hukavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo.
3. Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanhidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
4. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno!
5. Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa.
6. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
7. “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8. Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.